Akiso yeRinopasi

(runangakatsva kubva kuAkiso yekuzeya kweRinopasi)

Rinopasi rinopoterera (revolves) riri pamutsendo denderende (elliptical plane) unochekana neboterekwa reRinopasi kamwe pagore. Panguva imweyo Rinopasi rinoita rinozeya rumonerapo richiziririka paAkiso inobatanidza Gonga reMaodzanyemba neGonga reChamhembe.

Akiso yeRinopasi haina kururama pamutsendo wedenderende asi yakatsveyama negonyo re 23.5o. Gonyo riri pakati pemutsendo denderende neAkiso yeEarth harichinje; akiso inoramba yakanongedza divi rimwe muchadenga uye inoramba yakatsveyama negonyo rimwe re 23.5o. Asi chinoshanduka ndechekuti gonga riri pedyo nezuva nderipi zvichireva kuti divi reAkiso rakatarisana nezuva rinoshanduka zvichienderana nemwaka wacho. Divi riri pedyo nezuva rinowana mirazvo yakanyanya - iri divi ndiro rinenge riri mumwaka wekupisa, zhizha (summer), divi riri kure rinenge riri muchando (winter).