Gonyo
Muzvidzidzo zvePimanyika (Geometry) gonyo (an angle or corner) izwi rinoreva kushama kwakaita mukwava uri pakati pemitsetse miviri inosangana pamukwava iwoyo. Kukura kwegonyo kunopimwa nenhamwe yekushama kwakaita mukwava uri pakati pemitsetse miviri, gonyo rinokura apo mitsetse iyi inenge iri kutaramukana.
Gonyo kana ichipimwa inopimwa nechiyero chinonzi dhigiriyi chinova chinomirirwa nevara iri (o). Mitsetse miviri kana ichinge yabatana zvokunge yakanamana, tinoti pane gonyo 0o.
Mitsetse kana yakaita mutwi (yakarurama) inenge ine mupimo wegonyo 90o.
Gonyo rinopoteredza poyindi rinopimwa kuita 360o. Iri ndiro gonyo riripo kana tapoteredza denderedzwa kamwechete zvizere.
Mukutaura kwemazuva ose gonyo zvinoreva angle or corner.
Kurerutsa Mutauro
chinjirudzaMitauro yeAfrika
chinjirudza- Shambala inoti ku-konya (to fold) zvichireva kupeta. Kimbundu inoti kukoteka (v. bend, shrink, arch).
- Kimbundu inoti hota (n. corner, angle). Fananidzai nokuti kukotama (to bend down; to bend).
- Baila vanoti chikokola kana mwako (n. angle) kureva gonyo. Kinande vanoti erigonyoka (v. turn) kureva kugonyoka?.
- MaZulu vanoti iligosi kana amagosi (Corner, sharp recess in a building, cave, or river) kureva kona.
- MaZulu vanoti iligumbe kana amagumbe (Corner of room) kureva kona yerhumu.