Bumbiro re Mabhi (Nge. alphabet, Chishongrish: Arufabheti) inzira yekunyora, rondedzero yezviratidzo zvekunyora. Zviratidzo zvekutanga muarufabheti zvinonzi mabhii. Mubumbiro remabhi, bhii rimwe nerimwe chiratidzo cheruzha kana manzwi ane hukama. Kuita kuti arufabheti ishande zvirinani, mamwe masaini anobatsira muverengi: zviratidzo zvepumikira, nzvimbo, gwara rekuverenga, zvichingodaro.

Iro zita alfabheti rinobva kuna Aleph ne Beth , mabhii maviri ekutanga muBumbiro re Mabhi e Chifenike .

Chinyorwa ichi chakanyorwa mabhii eChirhoma (kana bumbiro re mabhi eChiratini). Yakatanga kushandiswa muRoma Yekare kunyora Chiratini. Mitauro mizhinji inoshandisa bumbiro re mabhi ye Chiratini: ndiyo inonyanya kushandiswa arufabheti nhasi.

Rangarirai kuti bumbiro re mabhi rakasiyana ne kekuro (iyo inonzi Skiriputi ne Chishongrish kutodza Chingezi chinoti Script).

Bumbiro re mabhi rechiShona: A B BH CH D DH E F G H I J K L M N N' O P R S SH T U V VH W X Y Z ZH

Mienzaniso ye mabumbiro emabhi

chinjirudza

Mapeji anoenderana

chinjirudza