Kareya

(runangakatsva kubva kuChinongo)

Kareya kana chinongo (defect or weakness, blemish or flaw) zvinoreva kusakwana kusvika pane zvakatarwa kuti zvivepo pane chiri kushandwa kana kuburwa chichibva kugadzirwa.. Vanoshanda muhushangazhi vane pavanenge vakaronga kana kurangana kuti zvavanobura zvinofanira kusvika maererano nehusvinu huri kudiwa. Izvo zvinenge zvaburwa zvichitadza kusvika pane husvinu kana kuti kururama kwakatarwa, zvinonzi zvine kareya. Vamwe vatauri vanoti kadenda, kana kuti chinongo.

  • Hembe yasonewa yakabuda isina kupenderwa kuzasi inenge ine kareya nokuti hembe yakarurama haifanirwe kusonwa ichisiyiwa isina kupenderwa.
  • Chingwa chikabhekwa chobuda muhovhoni chakafonyoka chinenge chine kareya nokuti chingwa chakarurama hachifanirwe kunge chakafonyoka.

Vari muhushangazhi vanoda kuziva kuti pane zvavanenge vabura zvingani zvine kareya uye zvingani zvisvinu. Izvi vanoda kuziva nokuti zvine kareya zvinokwanisa kunge zvisingatengeseke, kana kuti zvinoda kushandwa zvakare kuti zvisvike pakuva zvisvinu zvinotengeseka. Imwe nguva zvinhu zvine kareya zvinenge zvashata zvokusvika pakuraswa.

Kudzokorora kushanda chinhu chamboshandwa kunotora nguva, simba, uye mari. Varidzi vehushangazhi havafare kunge vachirasikirwa nayo mari iyi.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • MaZulu vanoti iligeza kana amageza pakuwanda (handsome person) vachireva munhu akarurama pachimiro.
  • MaZulu vanoti Akukho-geza laswela isiyinga (There is no handsome person without some defect) vachireva hakuna munhu akarurama asina kareya.