Chitsere (Ratel, Cape badger, Mellivora Capensis) imhuka inoyamwisa yakapararira mumatunhu eAfrica, Southeast Asia neIndia.

Chitsere chakatakura kahanda kuKgalagadi Transfrontier Park, South Africa
Chitsere kuJerusalem Biblical Zoo

Hugaro hweChitsere

chinjirudza

Chitsere chinowanzogara choga, asi muAfrica zvitsere zvinomboonekwa zviviri zvichivhima munguva yekubereka mumwedzi waChivabvu. Chitsere inyanzvi pakuchere mwena, chinogona kuchera mwena pamamineti gumi (10mins). Mwena yechitsere ine buri rekupinda rimwe, uye yakareba mamita 1-3. Mberi kwemwena kune dendere risina mashe. Zvitsere zvinozivikanwa zvichishandisa mwena yehweru, nenjiri uye kuchera pachuru.

Mitauro yeBantu

chinjirudza
  • MaZulu vanoti insele (Ratel, Cape badger, Mellivora Capensis) vachireva chitsere.
  • Venda inoti tshisele (n. ratel, badger) vachireva chitsere. Tsonga inoti xidzidzi (n. honey badger).
  • Herero inoti sere (v. burrow, unearth, dig or scratch out; to dig deep). Mamwe mazwi: seruka (v. to be level, to be even).