Denenga (kungotevera)

Shoko rokuti denenga rinoreva mhuka kana munhu anotevera mumwewo munhu iye asina hanya yokuziva kuti wacho waari kutevera ari kuendepi uye kuti zvinangwa zvake ndezveyi. Shoko iri rinokwanisa kushandiswa kuturikira inonzi satellite state kuEnglish nokuti iyi inyika ine hutungamiri hunongotevedzera zvataurwa naatenzi vari kunze kune imwe nyika vanova ndivo vanopa mazano ose ekutonga. Tinokwanisawo kushandisha shoko iri kuturikira chiya chinonzi satellite chinotambidzana nokugachidzana mashoko icho chiri muchadenga zvimwe zvachinoshandidzana nazvo zviri pano Pasi.

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

  • Namibia isati yawana kuzvitonga kuzere yakanga ichitongwa sedenenga rehurumemnde yerusaruraganda yeSouth Africa.