Muchidzidzo chePimanyika, gonyoina tsazamativi (Rhombus) chiumbwa chine mativi mana ose akaenzana. gonyo dzemukati dzakatarisana dzinenge dzakaenzana zvakare. Chiumbwa ichi chine madanhamakonyo maviri anochekana negonyo re 90o. Skweya iri pamupanda wegonyoina tsazamativi. Zita rokuti tsazamativi rinotsangangurwa kuchinyorwa chinonzi pimanzvimbo. Chivakamberi chokuti tsaza- chinobva kushoko rechiManyika rokuti tsazana rinoreva kuenzana.

Zvifaniro zvegonyoina tsazamativi chinjirudza

Gonyoina tsazamativi rega-rega rine maguramakonyo mbiri anobatanidza mikwava (vertices) miviri yakatarisana, uye mativi maviri akati sambamba. Kuchishandiswa gonyonhatu dzine chidzudzani pane umbowo hwokuti gonyoina tsazamativi rine kupimirana kunotevedza madanhamakonyo maviri ari mariri. Chiumbwa ichi chine faniro (properties) dzinotevera:

  • Gonyo mbiri dzakatarisana dzakaenzana
  • Guramakonyo mbiri anochekana negonyo re 90o; akaita mutwi.
  • Guramakonyo maviri anochekana kuita zvikamu zviviri zvakaenzana.

Faniro yekutanga inotiudza kuti gonyoina tsazamativi riri pamupanda wegonyoina sambamba

Nharaunda yegonyoina tsazamativi chinjirudza

Nharaunda yechiumbwa ichi runowanikwa netsazaniso inoti:

Nharaunda, A = 1/2.b.h

Apa b anomirira nhambwe yehwaro; h achimirira nhambwe yehudzamu. Tinotora hwaro sedivi ripi zvaro; hudzamu hunozotorwa senhambwe yemutwi unobatanidza mativi maviri asina kutevedzana.

Imwe nzira inokwaniswa kushanda ndeyekuti tinopangidzwa mikwava yegonyoina iri nemavara ABCD; nharaunda tinenge toiwana netsazaniso inoti:

Nharaunda, A = (AC.BD)/2

Apa AC naBD dzinenge dziri nhambwe dzemaguramakonyo maviri.