Open main menu

Bununu zvinoreva munhu asina kupfeka mbatya. Mutsika dzenyika dzemuAfrica kusasimira chinhu chinozvidzwa uye chisingatenderwe pamitemo yenyika. Tsika zhinji dzemuAfrica dzinoti munhu akafamba asina kusimira ava kupenga kana kuti ane mamhepo. Chinhu chinoonekwa chichiratidza munyama kana kuti kutukwa pamunhu iyeye.

Kune dzimwe nyika dzekuMadokero, kuEurope, neNorth America mitemo yenyika inotendedza kuti kuve nenzvimbo dzinosangana vanhu vasian kusimira. Hazvizivikanwe kuti chinangwa chaicho chokunge vanhu vachisangana vasina kusimira ndechei.


Kurerutsa MutauroEdit

Kufukenyika zvinoreva kuva bununu. Mamwe mazwi anoreva kusasimira ndeanoti: mushutu, muhwi, mutwi, mupushu, mutitinini.

Mamwe MazwiEdit

  • Vagari vekamba vakawanikwa vari mushutu - in a state of nakedness.
  • Dusa nguwani. Take off your hat. Kudusa zvichireva kubvisa panzvimbo - (take or bring away, off or out off).
  • Gunduma (ideo of Exposing what should be covered). Pfende yomukadzi inogundumadza mwana: a slovenly woman does not clothe her child properly.
  • Gundumara (Be unclothed, exposed to weather). Dhakwa rinofamba rakagundumara.
  • Bunumunu kana bunyumunyu (naked person)
  • Mabasi (naked). Avo vari mabasi.
  • Mushu (to be naked).
  • Kupushuka (to be naked).
  • mushutu, mupunu (a naked person).
  • Shuku (nakedness). Ane shuku: he is naked.
  • Mhumburu (1. naked person, 2. exposed object).
  • Utitinini (nakedness).
  • kwinya kwinya (ideophone of Walking naked).
  • -kwinyaidza (Make to walk about naked).
  • -kwinyaira kana -kwinyaika (Walk about naked).

TsumoEdit

  • Munhu asina mutimwi haasimiri mugwada. One without a waistband cannot wear a loin cloth (passed between the legs).

Mitauro yeChiBantuEdit

  • VaHerero vanoti muzu (naked). Sokuti Omundu u ri muzu - the man is naked.
  • VaHerero vanoti omuzu (nakedness).
  • VaGanda vanoti bwerere (nakedness; emptiness) vachireva bununu.