Mukutaura ChiShona vara rokuti Tsaza- (Equi-) chivakamberi chichange chiri kushandiswa kuratidza kuti zvakadomwa kumashure kwaicho chivakamberi ichi zvakaenzana uye zvakafanana. Tsaza- achange achisahndiswa nenzira imwe inoshandiswa prefix 'equi-' inoshandiswa kuEnglish pamwazwi akaita sa: equidistant; equilateral; equiangular.

Sarudzo iyi yaitwa pachicherechedzwa kuti kufanana hazvirevi kuenzana; sokuti baba nemwana wavo nyangwe vakafanana, havana kuenzana.

Chivakamberi ichi chiri kubva paizwi reChiManyika rokuti tsazana rinoreva kuenzana.

Muenzaniso weChivakamberi ichi chinjirudza

  • Gonyaina tsazamativi (Rhombus) - iri izwi rinoreva gonyaina rine mativi akaenzana nhambwe. Gonya dzemukati dzakatarisana dzinenge dzakaenzana zvakare. Chiumbwa ichi chine madanhamakonya maviri anochekana negonya re 90o. Tsazano iri pamupanda wegonyaina tsazamativi zvakare.
  • Gonyaina tsazamakonya (Rectangle) - iri izwi rapiwa kureva chiumbwa chine makonya mana ose akaenzana; gonya rimwe nerimwe riine 90o. Mativi maviri akatarisana anenge akaenzana uye akati sambamba. Tsazano rinogona kupinda pamupanda wechiumbwa ichi asi kazhinji tinosarudza kuti tsazano rimire roga.

Mazuva eTsazahusiku anoitika March 20-21 neSeptember 20-21. Pamazuva aya Denderedzwa reChiedza rinocheka North pole neSouth pole - mativi ose eAkiso anenge ari nhambwe dzakafanana kubva kuzuva - hapana divi rinenge riri pedyo nezuva kudarika rimwe. Zvakare hapana divi reAkiso rinenge rakanongedza kune zuva. Pamazuva aya nzvimbo dzose dziri panyika dzinowana husiku hwakaenzana, hwakareba 12 maawa - saka mazuva aya achinzi Tsazahusiku- equinox.

  • Mutsazanisi (equator) mutsetse unopangidza pakati ne pakati penyika uchikamura hafu yekuChamhembe kubva kuhafu yekuMaodzanyemba - Southern and Northern Hemisphere. Mutsazanisi une nhambwe dzakaenzana kubva kuNorth pole ne South pole panzvimbo dzose.