Gumiguru
|
Gumiguru (kureva Okutobha paChishongrish) mwedzi wechigumi muKarenda ye Chivanhu ne yaGregori, Une mazuva makumivirinepfumbamwe kana makumimatatu zvichienderana nenzvimbo ye mwedzi muchadenga, muKarenda ye Gregori unemazuva makumimatatu-nerimwe. Patsika kudzana kunonzi ‘mukwerera’ unoitwa mumwedzi uno. Gumiguru inoratidza kutanga kwemvura.[1]
Vambo rezitaChinjirudza
Rinoreva kuti "big ten" muChirungu nekuti mwedzi waGumiguru ndimwedzi wechigumi pakati pemwedzi dzese.
MwakaChinjirudza
Mwaka wakaoma unosvika pakakwirira - pachinyakare unonzi mwedzi wekuzviuraya - "dai kwainaya". Nhamba dzenzou dzakakomberedza makomba emvura dzakakwirira kusvika kukuvadza dzimwe mhuka.[2]