Gundamusaira
Gundamusaira (n. mob action; group action) zvinoreva kufamba pamwe kana kubatana pamifungo kwebato revanhu.
Tsika
chinjirudza- Vaimbi veBhundu Boys vakaimba rwiyo vachiti - Gundamusaira rinenge rehwiza rinongosairira rakanange kudondo. Wururu kupururudza.... Kupururudza ngoma isina kupfumbira buda pachena.
Mitauro yeAfrika
chinjirudza- Swahili vanoti kundi (n. herd, swarm, flock; group, band, troupe). Sangho vanoti kundu (n. amass, flock).
- Kemedzung vanoti kundi (v. take all). Giryama vanoti kundi (flock).
- Hadiyya inoti hunda (adj. all, entirely). Mamwe mazwi: xir hundam (every time).
- Kikuyu inoti gekundi (herd, multitude, company, congregation) vachireva vanhu vazhinji kana mhuka zhinji.
- Maconde inoti likundi kana makundi pakuwanda (n. crowd, company, group) kureva boka.