Hambautare (kureva car; automobile kuChingezi) kana mota, chichovhwa chekututa chine mavhiri chinoshandiswa kufamba famba, kubva panzvimbo imwe kuenda kumwe. Tsanangudzo zhinji dze hambautare dzino vanzoti; dzinomhanya mumigwagwa pakazhinji, dzinogarisa vanhu vanosvika kumasere, dzine mavhiri mana, uye dzinonyanya kutakura vanhu kwete zvinhu.[1][2]

Mufananidzo weHambautare

Mhando yekututa inowanzo famba pamusoro pevhu uchishandisa simba reinjini yayo kana mota. Zvisinei, kune dzimwewo dzinogona kufamba pamusoro pemvura, uye parizvino makambani akati wandei pasirese ari kuita tsvagiridzo yekugadzirisa hambautare dzinenge dzichibhururuka mudenga.

Kune mhando dzakawanda dze hambautare: hambautare diki, idzi dzinogona kutakura vatakurwi chete uye dzinogona kutakura mutyairi mumwe chete uye inogona kutakura vanhu vana. Magonyeti makuru anotakura anosvika kuvanhu vasere.

Zvimwe zvityovhwa senge madutavanhu, imhando wo ye zvityovhwa zvekututa asi anowanzo kuzidanwa seboka rakakosha, rakafanana nemagonyeti ayo ari makuru ezvityovhwa. Kune ese marudzi ebatanidzwa pakati pemhando idzi.

Mabviro eruzivo chinjirudza

  1. Fowler, H.W.; Fowler, F.G., eds. (1976). Pocket Oxford Dictionary. Oxford University Press.
  2. "hambautare" yakatariswa: 4 nyamavhuvhu 2021