Ipwa kana kuti mukaruka idzinde rinotaridzika semapfunde rinodyiwa nokuda kwekutapira kwemuto waro. Vamwe vatauri vanoti magunde. Ipwa dzinowanzodyarwa muminda yakarimwa chibage dzichizodyiwa mumwedzi April - June. Ipwa dzinoita mwonzora unenge wemapfunde asi tsanga dzacho hadzijiwe mumatunhu mazhinji.

TsumoEdit

  • Gunde repwa rinonaka asi hariiswi mudura. The stalk of sugar cane is sweet but it cannot be stored in a granary.
  • Takabva neko kumhunga hakuna ipwa.

Mitauro yeChiBantuEdit

  • VaVenda vanoti mphwe kana dziphwe (n. sweet sorgham) vachireva ipwa
  • VaSwahili vanoti kota kana makota (a type of millet chewed like sugar-cane) kureva ipwa.
  • VaZigula vanoti vigua kana viguwa (n. sorgham stocks) vachireva magunde emapfunde.