Swahili
(Redirected from VaSwahili)
Swahili mutauro unowanikwa kuTanzania, Democratic Republic of the Congo, Kenya, Mozambique, Burundi, Rwanda, neUganda
Mazwi Anotodza ShonaEdit
- VaSwahili vanoti nyama (meat) kureva nyama.
- VaSwahili vanoti usiku (night) kureva husiku.
- VaSwahili vanoti lini (when) kureva rinhi.
- VaSwahili vanoti chisekwe (wild goose) kureva sekwe.
- VaSwahili vanoti kusamba (to bathe, wash) kureva kushamba.
- VaSwahili vanoti nzhiba (ring-dove) kureva njiva.
- VaSwahili vanoti makoa (cucumbers) kureva magaka.
- VaSwahili vanoti makamba (cassava) kureva mufarinya.
- VaSwahili vanoti mabuzu (baobab fruit) kureva mawuyu.
- VaSwahili vanoti nyati (buffalo) kureva nyati.
- VaSwahili vanoti twiga (giraffe) kureva twiza.
- VaSwahili vanoti ngo'ombe (cattle) kureva mombe.
- VaSwahili vanoti jumbe (chief) kureva Ishe. Pakuwanda voti majumbe.
- VaSwahili vanoti udongo (clay) kureva dongo.
- VaSwahili vanoti makaa (coals), kureva marasha.
- VaSwahili vanoti mchana (daylight) kureva muswere wezuva.
- VaSwahili vanoti kufa (death) kureva kufa.
- VaSwahili vanoti uzima (completeness) .
- VaSwahili vanoti upofu (blindness) kureva hupofu.
- VaSwahili vanoti mavi (feces) kureva dhodhi.
- VaSwahili vanoti ndoto (dreams) kureva chiroto.
- VaSwahili vanoti mbwa (dog) kureva imbwa.
- VaSwahili vanoti bata kana mabata pakuwanda (duck) kureva dhadha.
- VaSwahili vanoti tembo kana ndovu (elephant) kureva nzou.
- VaSwahili vanoti ngoma (drum) kureva ngoma.
- VaSwahili vanoti ngano (fables) kureva ngano.
- VaSwahili vanoti njaa kana ndaa (famine) kureva nzara.
- VaSwahili vanoti baba (father) kureva kuchera baba.
- VaSwahili vanoti jicho (eye) kureva ziso.
- VaSwahili vanoti umbo kana maumbo (form; outward shape) kureva chimiro.
- VaSwahili vanoti chula (frog) kureva datya.
- VaSwahili vanoti tawa kana matawa pakuwanda (frying pan of metal) .
- VaSwahili vanoti majani (foliage) kureva kuveza
- VaSwahili vanoti mpofu (eland) kureva mhofu.
Mamwe MazwiEdit
- VaSwahili vanoti shamba (garden), kureva bindu.
- VaSwahili vanoti Pole pole (slowly) kureva pore pore kana zvishoma nezvishoma.
- VaSwahili vanoti mtume (Apostle), kureva nhume yaMwari.
- VaSwahili vanoti nyani (Ape) . Chinyani izita remhuri.
- VaSwahili vanoti nanga (Anchor) .
- VaSwahili vanoti maziwa (breasts) kureva mazamu.
- VaSwahili vanoti kwapa kana makwapa (armpit), kureva hapwa.
- VaSwahili vanoti mpaka kana mipaka (border or boundary), kureva mudzivo wenyika.
- VaSwahili vanoti jangwa kana majangwa (desert) kureva gwenga.
- VaSwahili vanoti bongo kana mabongo (brains) kureva huropi.
- VaSwahili vanoti mkate (bread) kureva chingwa.
- VaSwahili vanoti rushwa (bribe) .
- VaSwahili vanoti ukiwa (desolation; solitude) .