Chiswahili
Chiswahiri kana Chiswahili (sw. Kiswahili) mutauro we Chibantu unevatauri vakabva kuTanzania unotaurwa munyika zhinji dzeAfurika kunyaya kuMabvazuva, dzinosangananisa: iyo Tanzania, Utemabanze weRudhende rwe Vakongo, Kenya, Mozambiki, Vurundi, Rwanda, neVuganda. Chiswahiri mutauro weVaswahiri.
Chishona chinemashoko mazhinji akafanana neChiswahiri nokuti chakawanza kufanana nemitauro ye kumabvazuva eAfurika, uye zve ine mashoko mazhinji yayakatora kubva kuChiswahiri.
Chiswahiri pachacho, chinemashoko mazhinji achakatodza kubva kuChiarabhu uye kumimwe mitauro nekuda kweizvi chinotaurwa kakuru muAfurika nokuti munhu anokwanisa kutauro nezvemisoro yese ye nyaya neChiswahiri, kubva kuSainzi, kuenda kumasvomhu uye kuTarachisi. Nekuda kweizvi vanhu vazhinji vanotoda kuti Chiswahiri chive mutauro weAfurika.
HorokodzwaEdit
Mashoko anotodza ChishonaEdit
Chiswahiri | Chishona | Tsananguro |
---|---|---|
moyo, mtima | moyo, mhumba | |
nyama | nyama | |
usiku | usiku, husiku | |
lini | riinhi | |
chisekwe | sekwe | |
kusamba | kushamba | |
nzhiba | njiva | |
makoa | magaka | |
makamba | mufarinya | |
mabuzu | mauyu | |
nyati | nyati | |
twiga | twiza (furiramudenga) | |
ng'ombe | n'ombe, mombe | |
jumbe | jumbe, ishe | |
udongo | dongo, udongo | |
kufa | kufa | |
uzima | uzima, vuzima | shoko iri rakatorgwa kubva kuChiswahiri wo |
upofu | upofu | |
ndoto | ndoto | |
mbwa | imbwa | |
bata | bata (dhadha) | dhadha rakakuChinhuni, Chivanhu chaiti bata wo |
tembo, ndovu | nzou, zhou | |
ngoma | ngoma | |
ngano | ngano | |
njaa, ndaa | nzara, zhara | |
baba | baba
|
|
pole pole | pore pore | kureva "slowly" |
mpofu | mhofu | |
kula | kudya | |
taka | daka, dakara | kureva "want" |
bahari | bhahari | kureva "sea", shoko iri rakabva kuChiarabhu
rakatorwa ne Vashona kubva kuChiswahiri wo |
jenga | jenga |
Mamwe mashokoEdit
- VaSwahili vanoti shamba (garden), kureva bindu.
- VaSwahili vanoti mtume (Apostle), kureva nhume yaMwari.
- VaSwahili vanoti nyani (Ape) . Chinyani izita remhuri.
- VaSwahili vanoti nanga (Anchor) .
- VaSwahili vanoti maziwa (breasts) kureva mazamu.
- VaSwahili vanoti kwapa kana makwapa (armpit), kureva hapwa.
- VaSwahili vanoti mpaka kana mipaka (border or boundary), kureva mudzivo wenyika.
- VaSwahili vanoti jangwa kana majangwa (desert) kureva gwenga.
- VaSwahili vanoti bongo kana mabongo (brains) kureva huropi.
- VaSwahili vanoti mkate (bread) kureva chingwa.
- VaSwahili vanoti rushwa (bribe) .
- VaSwahili vanoti ukiwa (desolation; solitude) .
- VaSwahili vanoti mchana (daylight) kureva muswere wezuva.
- VaSwahili vanoti makaa (coals), kureva marasha.
- VaSwahili vanoti mavi (feces) kureva dhodhi.
- VaSwahili vanoti tawa kana matawa pakuwanda (frying pan of metal) .
- VaSwahili vanoti jicho (eye) kureva ziso.
- VaSwahili vanoti umbo kana maumbo (form; outward shape) kureva chimiro.
- VaSwahili vanoti chula (frog) kureva datya.
- VaSwahili vanoti majani (foliage) kureva kuveza