Jagwa imhuka inenge katsihuru inowanikwa kuSouth America neCentral America.

Jagwa idiki pane shumba netaiga. Asi jagwa katsihuru uye yakagwinya kumburungwa yekumavirira. Nokuda kwamavara ayo, jagwa inotaridzika kunga mbada, asi ihuru pane mbada uye ine simba kudarika mbada. Jagwa inofarira kugara pedyo nemvura uye inofarira kushambira sezvinoita taiga. Jagwa inovhima iri yoga.

Jagwa inoruma yobata zvakasimba kudarika dzimwe katsihuru. Nokuda kwemarumiro ane simba, jagwa inokwanisa kuruma mhuka dzine makwande, dzkadai segarwe, kamba uwe kamba yemumvura. Kunonzi jagwa inoruma pakati penzeve, ichipwanya dehenya kunopinda muhuropi.


Jagwa