Garwe
Garwe, ngwena, gambinga, gomombo (crocodile in English) imhuka inogara mumvura inowanikwa munzvimbo inodziya ye "tropics" mumatunhu ari kuAfrica, Asia neAustralia. Makarwe anogara mumvura isina munyu munzizi, nyanza, madziva nematoro.
Makarwe anodya nyama inosanganisira hove; mhuka dzemumvura nemhuka dzepadunhu. Mune dzimwe nyika makarwe anopfuyiwa pamapurazi, matehwe acho achizoshandiswa kugadzira shangu nemabheki emadzimai. Nyama yemuskwe wegarwe inokosheswa semutakunanzva kunzvimbo dzinoshanyirwa dzakaita se Victoria Falls. Nyama iyi inotaridzika senyama yehuku.
- Mwana wegarwe anonzi ganyamatope.
Mazita emhuri
chinjirudzaKune mazita emhuri ane chekuita negarwe. Mamwe ndiwo anoti: Garwe, Ngwena, Gambinga, Gushungo.
Tsumo
chinjirudzaMitauro yeBantu
chinjirudza- VaLozi neBasotho vanoti kwena (crocodile) kureva garwe. VaWanga vanoti ikwena (crocodile) kureva garwe.
- VaBemba, VaFwe, VaZigula neVaYao vanoti ngwena (crocodile) kureva garwe.
- VaKongo neVaTeke vanoti ngandu (crocodile) kureva garwe. Umbundu inoti ngandu (n. alligator).
- Lenje inoti mulonga (river, stream) kureva rwizi kana rukova.
- Chuabo inoti nyakoko (n. crocodile) kureva garwe. Nyaneka inoti ongandu (n. alligator).