Shumba
Shumba (ku Chingezi: lion) kana Mhondoro imhuka iri pamupanda wekatsi inowanikwa kumatunhu ari kuAfurika neEzhiya. Shumba inoverengwa seimwe yemhuka ine huwandu huri huderera kunyanya munzvimbo dziri kuMadokero eAfurika. Kutambanuka kuri kuita nzvimbo dzinogarwa nevanhu ndicho chimwe chikonzero chiri kuita huwandu hweshumba huderere. Varimi vane mhuka dzavo havafare kana zvipfuyo izvi zvichidyiwa neshumba.
Statasi yekuchengetwa | |
---|---|
Vulnerable (IUCN 3.1) | |
Hupango mu sainzi | |
Muvuso: | Umhuka (Animalia) |
Faramu: | Kodhata (Chordata) |
Mukasu: | Dzinoyamwisa (Mammalia) |
Raya: | Hukari (Carnivora) |
Chiraya: | (Feliformia) |
Mhuri | (Felidae) |
Dzasimhuri: | (Pantherinae) |
Mbari: | (Panthera) |
Rudzi: | P. leo |
Zita piri (binomial name) | |
Panthera leo(Linnaeus, 1758) | |
dzasirudzi (subspecies) | |
: P. l. leo : P. l. melanochaita : P. l. fossilis : P. l. sinhaleyus |
Magariro
chinjirudzaShumba dzinorarama makore gumi kusvika gumi nemana (10-14) kana dziri musango. Kana dzakatenherwa dzinorarama makore akati rebeyi anganosvika makumi maviri (20). Shumba hono hadzirarame makore anopfuura gumi kana dziri musango nokuda kwekurwa kwadzinogaro ita dzichitanda nzvari.
Shumba dzinowanikwa mumakura eSavanna asina miti yakawanda, asi dzimwe nguva dzinopinda murimuka mumasango makuru. Mhuka idzi dzinogara mumatanga anenge aine nzvari dzine ukama, vana veshumba, nehono shomane. Vanotarira shumba vanoti hadzinyanye kuvhima vanhu.
Kuvhima
chinjirudzaZvinotora danga reshumba kuti dziwise mukono wenyati; kana nepo shumba dzinozowisa mukono uwu dzatombotambura nokutungwa dzichidzinganiswa nenyati. Mapere zvakare anoita chivindi chokudzinga shumba kuva panyama zvikurusei kana mapere auya ari danga rakakura. Bere kamhuka kadiki asi kana achinge awanda anorura zvokushayisa shumba mufaro panyama.
Tsika
chinjirudzaShumba imhuka inotyiwa nevanhu vazhinji; matehwe eshumba aipiwa kuvatongi vakuru kuratidza kuremekedzwa nehukuru hwavo. Munzvimbo zhinji mune zvifananidzo zveshumba zvinoratidza kuremekedzwa kwemhuka iyi.
MuZimbabwe kuState House kunogara President Emmerson Dambudzo Mnangagwa kune zvifananidzo zveshumba zviviri. Pamatumba akavigirwa madzimambo ekuIjipita pane chifananidzo chine musoro wemunhu nemuviri weshumba chinonzi Sphinx. Chiumbwa ichi chiri pedyo nedumba riri paGiza, Ijipita. Muguta guru reHarare panze peHotera ye Meikles pane zvifananidzo zveshumba zvakare.
- Chitehwe (maneless lion) apa kureva shumba isina zenze.
Kurerutsa Mutauro
chinjirudza- Kana shumba ikashaya nyama inodya uswa.
- Yesu Kristo ndiye Shumba ye Rudzi rwaJudha.
- Taona muhwezva wechaizvuviwa neshumba: we saw the trail of something that had been dragged by a lion.
- Payakanzwa mitsindo, shumba yakadzambanuka pachitunha: when it heard the sound of feet, the lion got from over the corpse of its kill.
- Kuhwarira (to lie in wait for ambush, lurk) izwi rinotaurwa kuChiNdau rinoreva kuhwandira nechinangwa chokurwisa. Zvichida ndipo panobva zita rokuti Hwarare?
- .... Vasati vaguma pashi murindi, mhondoro dzakavanyisa: And before they reached the floor of the den, the lions overpowered them. (Daniel 6:24, Bhaibheri reChiNdau).
Tsumo
chinjirudzaMitauro yeBantu
chinjirudza- Nyungwe vanoti mpondolo (n. lion) kureva mhondoro. MaZulu neMaXhosa vanoti ingonyama (n. lion) kureva shumba.
- Chopi vanoti nghala (n. lion) kureva shumba. Kinande vanoti rura (v. roar) kureva kurura shumba.
- Swahili vanoti simba kureva shumba. Barawani vanoti siimba (n. lion) kureva shumba. Venda vanoti ndau kureva shumba.
- Baila vanoti shumbwa kureva shumba. VaLozi vanoti kanyaela (to walk with care and strength as a lion). Chopi vanoti kuwomba (v. to speak).
- Ndau vanoti mbhondolo (n. lion) kureva mhondoro. Lozi inoti tau kureva shumba.
Ruambanyeredzi
chinjirudzaShumba muRuambanyeredzi (astrology) kana astororoji rinozivikanwa seRiyo (Leo). Shumba muruambanyeredzi chiratidzo chechishanu cheZodhiyaki, pamberi pechiratidzo chinonzi Mhandara (Virgo) uye mushure mechiratidzo chinonzi Gakanje (Cancer).