Izwi rokuti jenganiso, kana mujengo (n. configuration) kududza mutowo wekuvakwa kwakaitwa chivakwa, chiumbwa, mutandira kana nzvimbo. Pamavakirwo akaitwa chivakwa panotariswa hukama hwemarongerwo akaitwa zvinhu, nhambwe iri pakati pazvo, kuti zviri kuvakwa zvinanga divi ripi, zvikuru nezvidiki zvigere papi uye huwandu hwenhangande dzakavaka chivakwa.

Mamwe Mazwi chinjirudza

  • Chengo (wall of a house) zvichireva madziro kana chivakwa - saka pano jenganiso riri kufafanidzwa nekarongerwo kanoitwa zvidhinha pakusimudza chengo chemba.
  • Kujenga kana kujenganisa (to build up, configure) izwi raumbwa richibva pakuti chengo uye kutodzanisa nemazwi eSwahili ari pasi ayo.
  • Jengamiko
  • Kuchenga (to be close, keep close, place close).

Mitauro yeBantu chinjirudza

Mazwi ari pano ari kududza zvinoreva izwi reShona rokuti chengo rinobva pakujenga zvichireva kuvaka.

  • VaSwahili vanoti mjengo kana mijengo pahuwandu (style or method of building; act of building).
  • VaSwahili vanoti jengo kana mjengo (structure, building). Shona inoti chengo kureva madziro.
  • VaSwahili vanoti jenga (construct, build, erect).