- Chenga ose manhanga hapana risina mhodzi - apa kureva koshesa dzose, chengetedza - (value, be thrifty).
- Vana vangu vakachengana nababa vavo kwazvo kwazvo - apa kureva, "my children are deeply attached to their father and he to them".
- Chengera mwana kuti arege kutsikwa - apa kureva ita kuti mwana arambe ari pedyo.
- Jengamai zvinoreva mwana anofarira kugara pedyo naamai vake zvakanyanya.
- Jengadenga (Horizon in English) zvinoreva apo panoita kunge panosangana nyika nedenga.
- VaMambwe vanoti ulwanzi (horizon) kureva jengadenga.
- VaFwe vanoti -cengeka (be close to) kureva kuchenga. Mamwe mazwi: -cenzi.