Shiri
(runangakatsva kubva kuKashiri)
Shiri (Bird in English) imhuka ine makumbo maviri nemapapiro kana minhenga. Shiri zhinji dzinokwanisa kubhururuka mumhepo asi kune dzimwe shiri dzinenge mhou dzisingakwanise kubhururuka. Pachinyorwa chino chidzidzo chakanangana neruzivo rweshiri chinonzi Chironzo Cheshiri kana ronzashiri.
Shiri dzinovaka imba inonzi dendere inorukwa nehuswa nemiti; kukura kwedendere kunoenderana nerudzi rweshiri yacho.
- Mharo kana mhara (perch of bird) inzvimbo inomharwa neshiri ichigarapo.
- Kutakatira (to fly high). Shiri dzakatakatira mudenga - the birds are flying up high.
- Kuwuruka kana kuuruka (to fly) zvichireva kubhururuka. Mururimi rweLenje vanoti kuuluka (fly, spring, leap).
- Mhiyepiye (confused tangle of sticks e.g. nest of a hammerkop) zvichireva mhingepinge yezvimiti sezvinovakiswa dendere reshiri.
- Guti (Flock e.g. of guinea fowl) apa kureva danga remhuka dzakadai sehanga.
- Besu kana mupesu (tail of bird, fish or aeroplane). Pahuwandu toti mapesu. KuChiNdau vanoti musuka kana chisuka.
- Mambava (soft feathers, down).
- Chimbi (Spur of bird).
- Nyana mwana weshiri.
- Kapupu, mupupu kana mhupu (Growing fowl). Zvichida ndipo panobva zita rokuti Nyakapupu?
Kuteya Shiri
chinjirudza- Chigombe kana rugombe, (Small whip-snare for birds. String for such a snare).
- Chigwambura chinogadzirwa nendandi yerhekeni.
- Shiri dzinomhumha pamurwi worukweza - apa kureva kumomotera - settle on and cover.
Mamwe Mazwi
chinjirudza- Manyengu (Swooping, air acrobatics of birds).
- Kuti handa (Lie down (or settle) all together as of birds).
- Kudanauka (Moult) apa zvichireva kuunduka.
- Kudanaura kana kuundura (Let feathers fall. Pluck feathers). Hoto kana yararira inodanaura minhenga senyana: when a hornbill has hatched its eggs it moults like a young bird.
Zvirevo
chinjirudza- Shiri ipinda haipedzi mhunga. A passing bird does not finish a mhunga field. A bird is a passerby it cannot deplete your millet.
- Kashiri kapangami kanovaka dendere neminhenga yedzimwe shiri. A clever bird builds its nest with other birds' feathers
- Shiri huru haibatwi nehundi. A big bird cannot be trapped with chaff.
- Shiri yomusaririra ndiyo yemhina. The last bird is (destined) for the wooden-headed arrow.
- Chidhiidhii kutsvara hundi mwoyo uri kumakoto. While a little bird scratches chaff, its heart is after chaff with grain.
- Kabva muzai kava kashiri. That which has hatched is (already) a bird.
Mitauro yeAfrika
chinjirudza- Humburi Senni inoti círî kana cír-ò (n. bird) kureva shiri.
- VaKongo vanoti epapi (n. wing of a bird) kureva bapiro reshiri. Mukutaura vaKongo vanowanzosiya e anovamba mazwi anenge epapi.
- Umbundu vanoti etosi (drop) kureva matosi. Chopi vanoti kudandama (v. alight upon as a bird) kureva kumhara.
- Kinande vanoti emitoto kureva madororo ehuku kana matoto eshiri.