Hanga (Guinea fowl in English) ishiri yemusango ine minhenga yeruava rupfumbu iine madoo-madoo paminhenga yacho. Hanga dzinowanikwa muZimbabwe, nguva zhinji dzinomhanya nepasi dzichizobhururuka kana dzavhundutswa nechikara.

Numida meleagris.jpg

Hanga dzinopfuyiwa pamusha dzichidyiwa nyama inonaka samare. Shiri idzi dzinokura kuita mumhu unodarika huku.

TsumoEdit

  • Hanga inobatwa namauruko mana. A guinea fowl is caught after four flights.
  • Hangaiwa iyemberwi. A rock pigeon is (to be) enticed (into a trap).
  • Mukuru mukuru hanga haigari pfunde.

Mitauro yeAfrikaEdit

  • Nyungwe vanoti nkhanga (n. helmeted guinea fowl) kureva hanga.
  • Zigula inoti nkhanga (guinea fowl) vachireva hanga. Kimbundu inoti kanga (n. surface; face; area) kureva pamusoro pechinhu.
  • Umbundu vanoti ohanga (guinea-fowl), kureva hanga. Beli vanoti kanga (n. ostrich) kureva mhou.
  • Mandinka vanoti kaη (on; on top) kureva pamusoro. Hausa inoti akan (above; on the top of; on the basis of).