Kubvutwa kweKereke (rapture of the saints) chiitiko chakanyorwa muBhaibheri chinotendwa nemaKristu kuti chichaitika munguva iri mberi. Chiitiko ichi chinotaura pamusoro pekudzoka kwaJesu Kristu achizotora vatsvene vake vakatenda kwaari kuti vazogara naiye Jesu nokusingaperi. Pane zviviri zvakakosha kana kuchitaurwa pamusoro peKubvutwa kweKereke.


  • Chokutanga kuziva zvinotarisirwa kuitika pakubvutwa kweKereke.
  • Chepiri kududzirwa kweBhaibheri kuti rinoti kubvutwa kweKereke kuchaitika riinhi.

Pane ndima nhatu dziri mubhaibheri dzichabatwa pano dzinotsangura nhau iyi:

1. Chivimbiso chokuenda naJesu

Ndima yakanyorwa pana Johane 14:1-3 inopa chivimbiso chekuti Jesu Kristu achadzoka kuzotora vatsvene vake. Inotaura ichiti:

"Mwoyo yenyu ngairege kumanikidzwa, tendai kuna Mwari, mutendewo nekwandiri. Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara; dai kusava kudaro, ndingadai ndaikuudzai; nokuti ndinoenda kunokugadzirirai pokugara. Kana ndaenda kunokugadzirirai pokugara, ndinozouyazve ndikugamuchirei kwandiri, kuti apo pandiri mungovapowo".

Ndima iyi haitaure kuti kubvutwa kweKereke kunoitika riinhi asi chete inopa chivimbiso chokuti Jesu vachadzoka kuzotora vatsvene vachizogara ikoko kunogara Jesu. Zvino nokuti Jesu akaenda kudenga zvinorevawo kuti chivimbiso ichi ndechekuti maKristu vachaendako kudenga kuna Jesu.

2. Rondedzero yeKubvutwa kweKereke

Ndima iri pana 1 Tesaronika 4:13-18 inotsanangura kurongeka kwezviitiko zvichatevedzwa pakubvutwa kweKereke. Ndima iyi inotaura pamusoro pevatendi vachanga vari vapenyu zvose nevanenge vafa panguva ichabvutwa vatsvene. Ndima iyi inotaura pamusoro pevakafa sokunonzi vavete muna Kristu. Ndima iyi inoti:

"Zvino hama dzangu, hatidi kuti mushaiwe kuziva pamusoro pevavete, kuti murege kuchema sevamwe vasina tariro. Nokuti kana tichitenda kuti Jesu wakafa, akamukazve, saizvozvowo vakavata muna Jesu, Mwari uchavauyisa pamwechete naye. Nokuti tinokuuudzai shoko raShe kuti isu vapenyu, vakasara kusvika pakuuya kwaShe, hatingatongotangiri vakavata. Nokuti Ishe omene uchaburuka kudenga nokudanidzira, nezwi romutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; vakafa muna Kristu vachatanga kumuka; zvino isu vapenyu vakasara, tichatorwa pamwechete navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mudenga; naizvozvo tichava naShe nguva dzose. Naizvozvo nyaradzanai nemashoko awa".

3. Kushanduka kwemuviri.


Ndima iri pana 1 VaKorinde 15:50-58 inotaura pamusoro pokushandurwa kwemiviri yavakatendeka,kuti itore kusafa uye kusawora. Vose vatende vapenyu naavo vakafa vanenge vamutswa panguva iyi vachashandurwa miviri yavo saizvozvi.

Vhesi 50-53 anoti "Zvino hama dzangu, ndinoreva ndichiti, nyama neropa hazvingagari nhaka yoUshe hwaMwari; nokuwora hakungagari nhaka yokusawora. Tarirai ndinokudzai chakavanzika: hatingavati tose, asi tichashandurwa tose; pakarepo nokubwaira kweziso, nehwamanda yokupedzisira; nokuti hwamanda icharira, ipapo vakafa vachanutswa nokusawora; nesu tichashandurwa nokuti ichi chinowora chinofanira kufuka kusawora; nechichi chinofa chinofanira kufuka kusafa."

Mitauro yeBantu chinjirudza