Kukomboka kana kukombodza (prolific, reach full potential) zvinoreva kukura, kururama kana kubudirira kusvika napose panogoneka. Shoko iri rinotodzana nerekuti kukomborera rinoreva kuitira zvakanaka, zvakarurama, zvinofadza pamweya kana panyama.

  • Kukomboka zvinoreva kuzvinoreva kuburitsa kana kubereka zvibereko zvizhinji - apa zvibereko zvingava zvirimwa kana michero.
  • Kubaritsa (to cause or produce sparks, to be prolific).

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

  • Mbambaira iyi yakaisvokombodza kureva kuti yakakura uye inotapira zviri zvakanyanya.
  • Mbesanwa dzinokombodza chere dziri muvhu rine mufudze.
  • Munhu ane maoko ekurima mbesa anonzi ane makombodzwa, sokuti Mai Tangai vane makombodzwa enzungu.
  • Makombodzwa (Green fingers i.e. unusual facility for growing things; 2. Vigorous growth of plant itself).