Kukomboka
(runangakatsva kubva kuMakombodzwa)
Kukomboka kana kukombodza (prolific, reach full potential) zvinoreva kukura, kururama kana kubudirira kusvika napose panogoneka. Shoko iri rinotodzana nerekuti kukomborera rinoreva kuitira zvakanaka, zvakarurama, zvinofadza pamweya kana panyama.
Kurerutsa Mutauro
chinjirudza- Mbambaira iyi yakaisvokombodza kureva kuti yakakura uye inotapira zviri zvakanyanya.
- Mbesanwa dzinokombodza chere dziri muvhu rine mufudze.
- Munhu ane maoko ekurima mbesa anonzi ane makombodzwa, sokuti Mai Tangai vane makombodzwa enzungu.
- Makombodzwa (Green fingers i.e. unusual facility for growing things; 2. Vigorous growth of plant itself).