Kurangana (Scheming, plotting, planning, confer) zvinoreva kuisa musoro pamwe vanhu vachironga kuti voita sei basa riripo rinoda kuitwa.

  • Varume vakarangana kuti vagosangana nomusi wechina kuti vachere tsime pabani.

Tsika chinjirudza

  • Akaimba muimbi achiti - Sharai usaputsa chirangano chedu.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • VaYao vanoti Chilangano (an agreement) vachireva chirangano.
  • VaYao vanoti kuleka chilangano (to break an agreement) vachireva kuputsa chirangano.
  • VaChewa vanoti malango (counsel, wisdom).