Kurarama (to live, to survive) zvinoreva kuva mupenyu, kugara hupenyu kana kupona kubva munjodzi kana hurwere.

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

  • Sekuru Chisvo vakararama makore zana nemashanu (105).
  • Pakaitika tsaona yakapisa musha kwakararama vanhu vashanu kubva mumhuri yevanhu vasere.
  • Munguva yehondo yerusununguko varwi vairarama nezvokudya zvavaipiwa nevanhu muruzevha.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • VaKalanga vanoti chila (live; survive) zvichireva kurarama kana kupona. VaKalanga bu chilo (life) zvichireva hupenyu.
  • VaKalanga ichili (living person; well-off person) zvichireva munhu ari kurarama kana munhu ari kurarama muhupfumi.
  • Mururimi rweMakonde vanoti kulama (recover; live/exist long).
  • Mururimi rweMakonde vanoti ulama (life).
  • VaLunyoro vanoti okuraramu (to inhabit) zvichireva kugara panzvimbo. Fananidza nokuti kurarama?