Mazwi anoti ndaramo, huraramo kana hupenyu (life) anotaurwa pamusoro pezvinhu zvakacherechedzwa kuti: zvinorarama; zvinotsvaga kudya; zvinoberekana; zvinokura kana kukwegura uye zvinofa. Pane zviitiko zvitanhatu zvinotsawuranisa zvinhu zvipenyu nezvinhu zvisina upenyu. Zviitiko izvi zvinowanikwa muzvinhu zvose zvine hupenyu asi hazviitike pazvinhu zvisina hupenyu.Kuva nehupenyu kunotaridzwa nezviitiko zvinosanganisira:

  • Kutsvaga chokudya.
  • Kushandudza simba kubva kumhando imwe kuenda kune imwe.
  • Kurasa tsvina dzemuviri.
  • Kubereka vana.
  • Kusamhuka nekunhadzirisa nhengo dzemuviri. Apa kureva kukura miviri.
  • Kufambisa mishonga inodiwa nemuviri.

Izwi rokuti ndaramo rinoshandiswa zvakare kutaura chinonzi safety kuEnglish apa kurevera Kati zviri kuitwa hazvina njodzi, hupenyu hwevanhu hunochengetedzwa. Nokumwe kutaura tingati rudekaro!!!

Mamwe MazwiChinjirudza

  • Hupenyu, kurarama, kupona (life) zvinoreva nguva yekurarama kwemunhu, mhuka kana chimwewo chinhu chine hupenyu .
  • Adhamu wakapona makore zana nemakumi matatu (130), wakabara mukororo: After Adam lived 130 years he fathered a son ... (Genesis 5:3 Bhaibheri reChiNdau).
  • Kune zita remhuri rinonzi Mupona.

Mitauro yeBantuChinjirudza