Hupenyu
(runangakatsva kubva kuHuraramo)
Mazwi anoti ndaramo, huraramo kana hupenyu (life) anotaurwa pamusoro pezvinhu zvakacherechedzwa kuti: zvinorarama; zvinotsvaga kudya; zvinoberekana; zvinokura kana kukwegura uye zvinofa. Pane zviitiko zvitanhatu zvinotsawuranisa zvinhu zvipenyu nezvinhu zvisina upenyu. Zviitiko izvi zvinowanikwa muzvinhu zvose zvine hupenyu asi hazviitike pazvinhu zvisina hupenyu.Kuva nehupenyu kunotaridzwa nezviitiko zvinosanganisira:
- Kutsvaga chokudya.
- Kushandudza simba kubva kumhando imwe kuenda kune imwe.
- Kurasa tsvina dzemuviri.
- Kubereka vana.
- Kusamhuka nekunhadzirisa nhengo dzemuviri. Apa kureva kukura miviri.
- Kufambisa mishonga inodiwa nemuviri.
Izwi rokuti ndaramo rinoshandiswa zvakare kutaura chinonzi safety kuEnglish apa kurevera Kati zviri kuitwa hazvina njodzi, hupenyu hwevanhu hunochengetedzwa. Nokumwe kutaura tingati rudekaro!!!
Mamwe Mazwi
chinjirudza- Hupenyu, kurarama, kupona (life) zvinoreva nguva yekurarama kwemunhu, mhuka kana chimwewo chinhu chine hupenyu .
- Adhamu wakapona makore zana nemakumi matatu (130), wakabara mukororo: After Adam lived 130 years he fathered a son ... (Genesis 5:3 Bhaibheri reChiNdau).
- Kune zita remhuri rinonzi Mupona.
Mitauro yeBantu
chinjirudza- VaKongo, VaLenje neVaNyungwe vanoti moyo (life). VaChewa vanoti umoyo (life, constitution, soul).
- VaBemba neBaila vanoti bumi (life) kureva hupenyu. VaTonga vanoti buumi kana maumi (n. life, health) kureva hupenyu.
- Yao inoti umi (n. life) kureva hupenyu. VaKabwa neVaIkizu vanoti -menya (dwell; live) kureva kugara.
- VaLozi vanoti bupilo (n. life) kureva hupenyu. Vanobva vati -pila (v.t. to live) kureva kurarama. VaVenda vanoti vhutshilo (n. life - no plural).
- Tiriki inoti khumenya (live, dwell, stay at a place) zvichireva kugara panzvimbo. Maconde inoti ulama kana umi (life).
- Swahili, neDigo vanoti uzima (1. life, vitality; health, vigor, energy; 2. full development; 3. maturity; adulthood; 4. completeness, perfection; 5. existence, reality).