Kurarama
(runangakatsva kubva kuVairarama)
Kurarama (to live, to survive) zvinoreva kuva mupenyu, kugara hupenyu kana kupona kubva munjodzi kana hurwere.
Kurerutsa Mutauro
chinjirudza- Sekuru Chisvo vakararama makore zana nemashanu (105).
- Pakaitika tsaona yakapisa musha kwakararama vanhu vashanu kubva mumhuri yevanhu vasere.
- Munguva yehondo yerusununguko varwi vairarama nezvokudya zvavaipiwa nevanhu muruzevha.
Mitauro yeBantu
chinjirudza- VaKalanga vanoti chila (live; survive) zvichireva kurarama kana kupona. VaKalanga bu chilo (life) zvichireva hupenyu.
- VaKalanga ichili (living person; well-off person) zvichireva munhu ari kurarama kana munhu ari kurarama muhupfumi.
- Mururimi rweMakonde vanoti kulama (recover; live/exist long).
- Mururimi rweMakonde vanoti ulama (life).
- VaLunyoro vanoti okuraramu (to inhabit) zvichireva kugara panzvimbo. Fananidza nokuti kurarama?