Kusuma (nge. to inform; informing; swa: kuarifu) ishoko rinoreva kupira (kana kuti kuudza) vanhu mashoko anotaura zviri kurongwa kuitwa kana zvichaitika mberi. Kazhinji vanosumwa vanenge vari vanhu vane chekuita nezvirongwa zvacho zvichaitika zvikurusei vanhu vakuru pabasa, kana pamusha, paKereke, kana muboka, bato zvichingodaro.

Mashoko anosumwa angava mashoko asisachinje kana angava mashoko achazeyewa achizochinjwa.

Mitauro ye Chibantu chinjirudza

  • VaGiryama vanoti masumuriro (n. conversation) vachireva hurukuro.