Kusamhura
(runangakatsva kubva kuKusvomhura)
Muchidzidzo masvomhu shoko rokuti kusamhura (calculating, doing the maths in English) rinoreva kushanda nenhamba kuti pawanikwe mhinduro inobva munhamba idzodzo. Vamwe vatauri vanoti kusvomhura kana kusamhura.
Mabasa anoitwa pakusamhura anosanganisira : kuwedzanisa, kubvisa, kuunga, kuradanura, kugovanisa zvichingodaro.
Kurerutsa Mutauro
chinjirudza- Calculate the following inenge yonzi, samhura zvinotevera kana kuti svomhura zvinotevera.
- Calculator inenge yonzi chisamhuri.
- Calculation inenge yonzi samhuro.
Nhoroondo
chinjirudzaZvakakosha kuti tionesane kwakabva shoko reEnglish rinoreva zvimwe nerekuti kusamhura. Shoko rekuti calculate rakabva kuna calculus shoko reLatin rinoreva, pebble. Aya aiva matombo aishandiswa pakuverenga. Saka vaiti kana vaita masvomhu avo nematombo vaitenge vaita calculation. Nhasiwo zvakanaka kuti isu vatauri veShona titi kusamhura tichireva iko kuita masvomhu acho nenhamba dzawo.
Mitauro yeBantu
chinjirudza- Vatauri veLuwanga, Lubukusu neTiriki vanoti imbale kana tsimbale pakuwanda (pebble).
- Vatauri veLuganda vanoti bala (count, calculate, reckon), kureva kurava.
- Vatauri veKinyarwanda vanoti umubare (number).
- VaKikuyu vanoti kotara (to enumerate; to calculate; to compute; to deem; to number; to reckon).
- VaGikuyu vanoti otari (enumeration; amount).
- Vatauri veTaita neGiryama vanoti kutala (v. to number; to add up, to count).
- Vatauri veTaita vanoti kutala (v. to number).
- VaGiryama vanoti mutalo (n. a reckoning).