Chikwereti
(runangakatsva kubva kuKutora mutari)
Chikwereti (loan, debt) zvinoreva mari yokupihwa inofanirwa kuzodzorerwa. Mabhanga ane donzvo iroro rokukweretesa mari.
- Kunonzi izwi rokuti chikwereti rakabva kuAfrikaans inoti skuld. ChiShona chakras chinoti mungava kureva chikwereti - pahuwandu toti mingava.
Mamwe Mazwi
chinjirudza- Ngava, mangava, mungava, gwanya, magwanya kana mhaka - apa kureva chikwereti.
- Kukwereta kana kutora mungava (to borrow) ndiko kunoitwa nemukumbiri wemari.
- Gwanya kana magwanya (Debt) apa kureva Chikwereti. Zvichida ndipo panobva zita rokuti Magwanyata?
- Kutora mutari (borrow grain).
- Mutari kana mutare (a loan of foodstuff).
- Kuposa kana kuposha (borrow, exchange).
- Kuposana kana kuposhana (exchange). Zvichida ndipo panobva zita rokuti Maposa??
- Kukweretesa (to lend) ndiko kunoitwa nemukumbidzi wemari.
Tsumo
chinjirudza- Ngava hariripi rimwe ngava. A debt does not settle another debt.
- Mungava haaripi mumwe mungava. A debt does not give to its fellow debt.
Mitauro yeBantu
chinjirudza- VaNyungwe neVaWabo vanoti mangawa (n. debt) kureva mangava.
- Basotho vanoti sekoloto kana likoloto (n. debt) vachireva chikwereti.
- Barotse vanoti mukolotisi (n. lender, money-lender, etc) kureva munhu anokweretesa.
- VaRwanda vanoti umwenda (n. debt) kureva chikwereti. VaGungu vanoti Ibanza (n. debt), kureva chikwereti.
- VaGungu vanoti kuhora (to lend money), kureva kukweretesa mari. Mang'anja vanoti kubwereka (borrow) kureva kukwereta.