Kwekwe District, Midlands

Kwekwe District (Dunhu diki)

Kwekwe District nderimwe rematunhu madiki manomwe anovaka Midlands, muZimbabwe.

Mamwe matunhu madiki matanhatu ndeaya:


Kwekwe District riri paMitsetse yeNyika inoti:

Mbariro dzeTaranyika:-19.0000; Mutambariko weTaranyika:29.7500.

Huwandu hwevanhu vedunhu iri muna 2012 hwaiva pa 174,727 [7]

Dunhu iri rine maguta maviri Kwekwe[8] neguta diki Redcliff.[9]


Guta rinonzi Kwekwe ndiwo muzinda weKwekwe District. Muguta diki rinonzi Redcliff ndimo mune ZISCO inova kambani hombe kuna dzose dzinobika simbi muZimbabwe.

"Sable Chemical Industries Limited" inowanikwawo muKwekwe District, mumugwagwa unobatanidza Guta reKwekwe neGuta reKadoma (A5). Iyi ndiyo yoga muZimbabwe kambani inobika Fetaraiza (Ammonium Nitrate Fertilizer) yatinowanza kudaidza kuti "AN", fetaraiza yepamusoro. Sables yakatanga basa muna 1969, nanhasi ichiri kuvimbika munyika yose.


Kwekwe District yakakomborerwazve neimwe kambabi inogadzira zvinhu zvinogadzirwa nomukaka inonzi Dendairy. Dendairy ndiyo yoga munyika yose inokwanisa gugadzira mukaka (UHT milk) unikwanisa kuchengetedzeka usina kukora nguva inotokwana gore rese usiri mudonhodzo (fridge). Kambani iyi inogadzirawo mukaka wakakora (fermented milk) unonzi "maas", neYogati (youghurt), Aizi Krimu (ice cream), huye zvinwiwa zvinosanganiswa mukaka nomuto wemichero (fruit juices).


Kozotiwo mudunhu diki reKwekwe District ndimo mune gwenya ramagetsi rinonzi Munyati. Munyati Power Station iri mujinga moRwizi Munyati kuMaodzanyemba kwakatidzivei kumabvazuva (NNE). Pane 30km kubva muguta reKwekwe kuenda kuMunyati Power Station nemuchadenga.


Mune zvikoro zviviri zvinodzidzisa varimisi muKwekwe District (Agricultural Colleges) zvinoti Mulezu[10] chiri kwaChiwundura neRioZim Foundation Zhombe chinowanikwa kuEmpress Mine kuZhombe .


References

  1. Chirumanzu District_ Mbariro dzeTaranyika. -19.4167°, Mutambariko weTaranyika. 30.5833°
  2. Gokwe District_ Mbariro dzeTaranyika. -17.2500°, Mutambariko weTaranyika. 29.0167°
  3. Gweru District_ Mbariro dzeTaranyika. -19.2500°, Mutambariko weTaranyika. 29.5833°
  4. Mberengwa District_ Mbariro dzeTaranyika. -20.7500°, Mutambariko weTaranyika. 30.0000°
  5. Shurugwi District_ Mbariro dzeTaranyika. -19.7500°, Mutambariko weTaranyika. 30.1667°
  6. Zvishavane District_ Mbariro dzeTaranyika. -20.2500°, Mutambariko weTaranyika. 30.0833°
  7. http://www.citypopulation.de/php/zimbabwe-admin.php?adm2id=705
  8. Kwekwe is situated at 18.93° South Mbariro dzeTaranyika, 29.81° East Mutambariko weTaranyika and 1184 meters elevation above the sea level. Kwekwe is a town in Zimbabwe, having about 99,149 inhabitants.
  9. Redcliff_ This place is situated in Kwekwe Rural, Midlands, Zimbabwe, its geographical coordinates are 19° 2' 0" South, 29° 47' 0" East and its original name (with diacritics) is Redcliff.
  10. Mleze College is situated 34km south of the City of Kwekwe.