Zhombe ruwa ruri mudunhu diki rinonzi Kwekwe mudunhu guru re Midlands, munyuka yeZimbabwe. Mamwe matunhu madiki muMidlands ari muzvikwata zvitanhatu zvinoti

  • Chirumhanzu,
  • Gokwe,
  • Gweru,
  • Mberengwa,
  • Shurugwi
  • Zvishavane
Zhombe
Ruwa
Nickname(s): eZhombe
Zhombe is located in Zimbabwe
Zhombe
Zhombe
Coordinates: 18°40′37″S 29°20′56″E / 18.677°S 29.349°E / -18.677; 29.349Coordinates: 18°40′37″S 29°20′56″E / 18.677°S 29.349°E / -18.677; 29.349
country Template:Zimbabwe
Dunhu Midlands Province

kureva kuti Dunhu reMidlands rakagovaniswa kuita zvikwata zvinomwe.

Tsananguro yeZita Zhombe chinjirudza

Uye Zhombe izita renzvimbo yemabhizinisi iri muRuwa rune zita rimwero, uye izita roRwizi rukuru muruwa urwu, nezitawo rechikomo chaimbonzi Jombe kare.

Ruwa rweZhombe, nyanye kuMabvazuva, runozivikanwa nekucherwa kweNdarama nevanhu vasina mvumo yakati tsvikiti vanodaidzwa kunzi Makorokoza (Gold pannners). Zvisinei hurumende iri kuedza kuumba zvikwata zvemakorokoza aya vovapa mvumo yokuchera zviri pamutemo, vachitevedza mitemo yebazi rehurumende rinoona nezvezvicherwa.[1]

Muzinda weZhombe chinjirudza

Pamuzinda weZhombe, pane mahofisi makuru emumiriri weZhombe muDare reMabhuyoParamende, uri panzvimbo inozikanwa sokuti paJuweri "Zhombe Joel" inova makiromita makumi matanhatu kubva muKwekwe wakananga Maodzanyemba kwakadziva kuMadokero kweKwekwe yacho. Joel raiva zita ramuzvina-bhizinisi wekutanga munzvimbo iyi kumakore aana 1965 uko.

Zhombe Joel inzvimbo yemabhizimusi (Growth Point) inotarisirwa kuzova guta kana kuti dhorobha nerimwe ramazuva mukutekaira kwemakore, iri parumbariro nehunhungo 18.6770° S; 29.3490° E

Zita Zhombe chinjirudza

Zvinonzi zita rokuti Zhombe rakabva muzita rinoti Jombe. Jombe chikomo chiri neche kumadokero kwapanosangana rwizi Zhombe noRwizi Munyati. Mapangana (Coordinates) echikomo ichi inoti: -18.53393°S, 29.54344°E kunzvimbo inonzi Bhamala kana kuti Bamala, kumabvazuva kweruwa urwu (Zhombe East).

Irowo zita rokuti Jombe rinenge rakauya nevacheri vendarama vaibva kune dzimwe nyika dziri mhiri kwemakungwa sezvo risiri inzwi rinowanikwa mundimi dze chivanhu chaitaurwa munyika dzose dzaiva pasi poumambo hwaMutapa.

Ma''Growth Points'' chinjirudza

Muruwa rweZhombe mune nzwimbo mbiri dzinotarisirwa kuzova maguta madiki kana kuti madhorobha nerimwe razuva mukutekaira kwemakore dzinoti yataurwa kare inonzi Zhombe-Joel, pamwechete neEmpress Mine Township. Parizvino nzvimbo idzi dznonzi muChirungu Growth Points. Kana iri Empress yatokura kupfuura Zhombe-Joel uye yava kutoratidzika seguta diki.

Empress Mine iri nechekuMaodzanyemba kwakadziva kuMabvazuva kweZhombe-Joel.

Chikoro chevarimisi chinjirudza

MuEmpress Mine Township ndimo mune chikoro chinodzidzisa varimisi chinonzi RioZim Foundation Zhombe Agricultural College, chaimbozikanwa nezita rokuti Rio Tinto College of Agricultuture.

Ma''Ward'' chinjirudza

MaWadhi akatarwa nevaigadzira miganhu yenzvimbo diki dzezve Matongerwo eNyika mumatunhu nemuzvikwata zvematumhu, uye pasi pemakanzuru ye Zibagwe ''Rral District Council'' mune ma''Ward'' 33; 11 awo ari muZhombe ''Constituency''. Wadhi 1 ne 2 anova Zesa-Munyati, Zibagwe neSosombe-2-Extension ava pasi peZibagwe-Chirumanzu pakumiririrwa mu dare reParamende yeZimbabwe asi achingova muruwa rweZhombe. Wadhi 5 ne 17 ava pasi peSilobela Constituency asi ari muruwa rweZhombe zvekare.

Zvikoro chinjirudza

Mugore ra2011 muruwa rweZhombe maiva nenzvimbo dzemabhisisi 14, zvikoro zvedzidzo yokutanga 53 (Primary Schools) pamwe ne 18 zvikoro zvedzidzo yepamusoro zvishoma (Secondary Schools). [2]

Zvoutano chinjirudza

Zvipatara zvidiki anonzi makiriniki (clinics) igumi (10), uye kune chipatara chimwe chete chinonzi Zhombe Mission Hospital, chiri pasi pekereke yechikatorika (Roman Catholic).

Zvezvipfuwo chinjirudza

Mombe dzimuruwa urwu dzinopfuura 48 000 , uye nzvimbo dzinoonwa nezvoutano hwezvipfuwo igumi nenhatu (13), nematuhwino emombe makumi maviri nematanhatu (26 Dip Tanks). [3]

Madiridziro chinjirudza

Muruwa rweZhombe mune nzvimbo mbiri dzinoita kurimwa dzichidiridzirwa dzinoti Ngondoma Irrigation Scheme inotora mvura muDhamu reNgondoma, pamwechete nediki yacho inonzi Senkwasi Irrigation Scheme inotora mvura mudhamu reSenkwasi. Minda iyi inodiridzwa iri kubatsira zvikuru vanhukadzi vemuruwa kuvapawo pundutso muupenyu vachishandisa maoko avo. [4]

Mabura chinjirudza

Neche kumawodzanyemba kweNgondoma Irrigation Scheme kunowanikwa mugodhi wematoto ezviremwaremwa unonzi Mabura Caves (Vusa emtoto), uyo parizvino usati watangisa kushandiswa zvizere. Zvinofungidzirwa kuti mugodhi uyu une mupfudze wematoto [5] [6] enyenganyenga ungava nouwandu hwematani mamiriyoni mazana maviri (200 million tonnes of Bat guano). [7]


MuZhombe mune madzishe mana vanoti Ishe Gwesela naShe Samambwa vari divi remabvazuva eZhombe, kotiwo Ishe Malisa naShe Ntabeni vari nechekumadokero kweZhombe.


Tarisaiwo chinjirudza


References chinjirudza

  1. "Archive copy". Archived from the original on 2015-11-22. Retrieved 2015-10-31. 
  2. https://www.yumpu.com/en/document/view/25158905/10-zhombe-constituency-zhombe-constituency-has-38-878- | Zhombe Constituency 2006. pp11 Scools
  3. "Archive copy". Archived from the original on 2014-11-07. Retrieved 2015-10-31. 
  4. http://www.medwelljournals.com/abstract/?doi=pjssci.2005.922.927
  5. Barber B. 1991 December | Fertilizer research | Volume 30, Issue 2, pp 247-278 https://web.archive.org/web/20180712201529/http://www.uoguelph.ca/~geology/rocks_for_crops/56zimbabwe.PDF
  6. Rocks for crops 323 https://web.archive.org/web/20191126180956/http://www.bgs.ac.uk/research/international/dfid-kar/CR02121N_col.pdf
  7. Zhombe pins hope on bat poop by Tinomuda Chakanyuka | Sunday, May 31, 201 http://www.sundaynews.co.zw/zhombe-pins-hope-on-bat-poop/