Ngondoma Irrigation Scheme

Ngondoma Irrigation Scheme inzvimbo ine minda inoita zvokudiridzirwa muchirimo kana muzhizha.


Irigesheni iyi inowanikwa muruwa rweZhombe, munyasi morwizi Ngondoma mumisha yaSabhuku Nzama-Mahogo naSabhuku Maisa rimwe divi. Ishe wenzvimbo iyi ndiSamambwa, uye iri muMabura Ward, muZhombe, Kwekwe District, Midlands, Zimbabwe.


Mitsetse yakatarwa yakati sambamba yeNgondoma Irrigation Scheme inoti: -18.4219140S; 26.4172190E


Nzvimbo yemabhizinisi iri pedyo i[[Columbina Rural Service Center]] iyo iri chinhambwe chinosvika 4km nomugwagwa.


Ngondoma Irrigation Scheme iri muRegion 3 kana kuchitevedzwa ihwandu hunonaya nakwo mvura muZimbabwe. Kureva kuti inzvimbo inonaya mvura ingangosvika 600mm chete pamwaka wemvura gore rimwe nerimwe. [1] Nokudaro irigesheni inobatsira kwazvo munzvimbo dzinonaya mvura isingavimbiki kudai. [2]


Minda yeIrigesheni iyi pamwechete inema hekita anodarika 44 (44.4 ha) nevarimi 180. Pavarimi 180 ava, 134 vacho vanhukadzi.


'Scheme' iyi yakavambwa muna 1968, mazuva mamwewo avambawo 'Empress Nickel Mine' mushure mokunge Dhamu Ngondoma rapera kuvakwa.


Minda iyi yakambokwira kuvavarira kusvika 70ha asi yakazodzorwazve pa 44ha. Zvisinei irigesheni iyi yakaberekawo imwe irigesheni diki ine 6ha nechekumusoro kunobva nemvura. Yakaberekwa iyi inonzi 'Ngondoma Irrigation scheme Extension' .


Irigesheni inowana mvura yayo kubva muDhamu Ngondoma [3] kuburikidza neKanari (canal) inoshandisa matenu enyika kuunza mvura pamadiro, kana ichinge yangovhurwa kuti ichiuya kuIrigesheni. Hapana muchina unoshandiswa kuunza mvura kudiridza 51ha dzeminda iyi. Inongouya yega ichitevedza Kanari nokutenukira kwayo ichishandisa simba regunganidzo rinonzi 'Gravity' pachiRungu. Mutsindo wayo unoenda nokuti pombi yekudhamu yavhurwa kuti iwande zvakadii. Kana ichiuya yakawanda Mutsindo (presure) wayowo unowandawo.


Dhumu Ngondoma rinotakura '7.5 million cubic metres' dzemvura. [4] Iyi imvura yakawanda kwazvo, inonzi nomutaueo wevana vamazuva ano 'inopera yabiwa' .


Irigesheni iyi inorimwa kunyanya Chibage, Madomasi, Muriwo Bhinzi neDerere. Mazuva ano vamwe vorima Gorosi neMhiripiri. Makavhu aya anonzi mabhatanatsi (Butternuts) anorimwa muminda iyi.


Varimi vanobatsirwa noruzivo nevarimisi vanoshandira Hurumende, mubazi rezvekurima, veAGRITEX.


Varimi vanotengerwa zvirimwa zvavo nevemisha yakapoteredza irigesheni, veku[[Columbina Rural Service Center]] , veku Empress Growth Point, pamwe neve kumaguta. Derere rinodiwa zvakanyanya kuBulawayo.


Varimi vanopota vachisarudza hutungamiri hweIrigeshen mushure kwenguva yakatarwa (3 years).

Komiti iyi ( 'Irrigation Management Committee' ) inoshanda pamwe nemurimisi, nevashandi veHurumende kuona kuti zvose zvinoda kuitwa nokugadziriswa muIrigeshen zvabudirira.


Makore apfuura murimi umwe neumwe aingozvionera kuti orima sei bande rake muIrigeshen. Vazhinji vaiwanzo Kurima neMombe dzavo kana dzokuripira. asi gore 2015 Hurumende yakaunza michina namatarakita kubatsira varimi, abo vabhara mutengo unonzwisisika, kuti varirwe.

MaTarakita aya pamwe nemichina yokurimisa yakatsvagwa neHurumende kubva kunyika yeBrazil. [5]

Matarakita aya anogona kubatsirawo varimi vekunze kweIrigesheni kana zvichibvira.


Varimi vemuIrigeshen havadyi chinovava nokushandisa maoko avo. Ramangwana reIrigesheni iyi rinoratidza kujeka chaizvo.



Tarisaiwo










References

  1. 500 - 700 mm rainfall per year. Infrequent heavy rainfall. Subject to seasonal droughts.
  2. Natural region III is a semi-intensive farming region. Smallholders occupy 39% of the area of this region. Large- scale crop production covers only 15% of the arable land and most of the land is used for extensive beef ranching. Maize dominates commercial farm production. The region is subject to periodic seasonal droughts, prolonged mid-season dry spells and unreliable starts of the rainy season. Irrigation plays an important role in sustaining crop production. | https://web.archive.org/web/20151008052552/http://www.moa.gov.zw/index.php/2-uncategorised/12-agric-in-zimbabwe
  3. Ngondoma Dam https://web.archive.org/web/20151206192846/http://www.geonip.com/ geolocation/ngond oma-dam-midlands- zimbabwe/7394828#
  4. Mid Small-Scale Irrigation —A Foundation for Rural Growth in Zimbabwe— Report of the Zimbabwe Joint Field Workshop— Water Management Synthesis Project—WMS Report 66 page 120— Ngondoma Scheme— https://web.archive.org/web/20151025191052/http://pdf.usaid.gov/ pdf_docs/PNAAZ715.pdf
  5. The equipment, which includes tractors, fertiliser spreaders and irrigation kits, is the first tranche secured under a loan facility agreed with Brazil. https://web.archive.org/web/20150711235033/http://www.newzimbabwe.com/NEWS-22702-Pictures+Bob+receives+$38m+Brazil+tractors/NEWS.aspx