Rwizi Munyati rwizi rwuri muZimbabwe; chimwe chikamu charwo chinonzi Rwizi Sanyati. Rwizi urwu runobva kuDunhu re Mashonaland East rwuri kumaodzanyemba kweguta reChivhu pane nhambwe inosvika 100km kubva kuHarare.

Rwizi urwu runoyerera rwakananga kuMaodzanyemba kwakadziva kuMadokero uye runotara muganhu wekuChamhembe kweMashonaland West. Munyati anoonekwa pamugwagwa unobva Kwekwe-eKadoma uye pamugwagwa weKadoma-Zhombe. Munyati ndiye anopa mvura inoshandiswa neChiteshi cheNguzvu cheMunyati (kana Chiteshi chePawa cheMunyati). Rwizi Mupfure runodira muna Munyati; kubva pamadirano rwizi runenge rwonzi Sanyati.

Rwizi Sanyati runonodira muna rwizi Zambezi apo pananenge pafambwa nhambwe inokwana 500km kubva panotangira Munyati.

Mitauro yeBantu chinjirudza


Nzizi dze Zimbabwe

Rwizi rwe BubiRwizi ChiredziRwizi rwe GwayiRwizi rwe HondeRwizi rwe InkankeziRwizi rwe InzizaRwizi rwe InyankuniRwizi rwe Kwe KweRwizi rwe RimupopoRwizi rwe LuenhaRwizi ManyameRwizi MazoweRwizi rwe MachaveziRwizi ManyameRwizi rwe MucheleleRwizi rwe MuchekeRwizi MunyatiRwizi MupfureRwizi rwe MushaweRwizi rwe MutirikweRwizi rwe MweneziRwizi rwe MweweRwizi rwe MtetengweRwizi rwe MzingwaneRwizi rwe NcemaRwizi rwe Ngezi (Masvingo)Rwizi rwe Ngezi (Midlands)Rwizi rwe NgondomaRwizi PungweRwizi rwe RundeRwizi SaveRwizi rwe SebakweRwizi rwe SengwaRwizi rwe ShanganiRwizi rwe ShasheRwizi rwe SiwazeRwizi rwe TokwaneRwizi rwe TokweRwizi rwe ThuliRwizi rwe UmchabeziRwizi Zambezi


Rwizi dzeAfrica
Rwizi Manyame | Rwizi Mazowe | Rwizi Munyati | Rwizi Nile | Rwizi Pungwe | Rwizi Save | Rwizi Zambezi