Rwizi Manyame

Rwizi Manyame (Manyame River also called Hunyani) rwizi rwuri kuMaodzanyemba kweZimbabwe neMozambique.

Rwizi urwu rwunotangira kuMaodzanyemba kwakadziva kuMadokero kweguta reMarondera, rwoyerera rwakananga kuMadokero rwonodarika Harare kuenda kwaKutama. Kubva paKutama Manyame anoyerera achienda kuMaodzanyemba odarika Chinhoyi nemakomo eHunyani. Manyame anozobira nekuMakomo Rukowakuona onanga kumupata werwizi Zambezi.

Rwizi Manyame runoyambuka muganhu weZimbabwe-Mozambique paHunyani, rwobatana nemadirano aRwizi Duangua rwafamba 418km kubva KuMarondera kwarunotangira. Kubva ipapa rwunoyenda mberi rwave Rwizi Panhame runodira muna Rwizi Zambezi pane guta rePanhame kuMozambique.


Manyame ane madhamu maviri, Prince Edward Dam neLake Chivero kuChamhembe kweHarare. Lake Chivero inoshandiswa senzvimbo yokushanya nokutambira nezvikepe.


Rwizi dzeAfrica
Rwizi Manyame | Rwizi Mazowe | Rwizi Munyati | Rwizi Nile | Rwizi Pungwe | Rwizi Save | Rwizi Zambezi