Rwizi Save
Rwizi Save rwizi rwakareba 400km rwunoyerera muZimbabwe neMozambique. Rwizi urwu rwunotanga panzvimbo iri pachinhambwe chinokwana 80km kubva kuHarare. Kubva ipapa rwunoyerera rwakananga kuChamhembe rwozonanga kuMabvazuva kune madirano neRwizi Odzi.
Kubva pamadirano naOdzi rwizi Save runoyerera ruri kuMadokero kweEastern Highlands , pane nzvimbo yokuti rwizi urwu rwuri pamupata usina mvura. Rwizi Save narwizi Runde zvinosangana pamuganhu weZimbabwe-Mozambique panzvimbo inonzi Mahenya. Save anodira mugungwa reIndian Ocean pamuyeramwaka 21oS.
Makarekare munguva yemadzimambo aiva paMasvingo eZimbabwe, rwizi Save rwaishandiswa nevashambadzi kutakura ndarama yaibva kuZimbabwe. Idzi dzaive nguva dze13th ne14th Century.
Mitauro yeBantuChinjirudza
- VaMambwe vanoti sawe (a he goat) kureva mukono wembudzi.
- VaBemba vanoti sawe (a he goat) kureva mukono wembudzi kana gotora.
Rwizi dzeAfrica |
Rwizi Manyame | Rwizi Mazowe | Rwizi Munyati | Rwizi Nile | Rwizi Pungwe | Rwizi Save | Rwizi Zambezi |