Madiya izita remhuri rinowanikwa kuSouth Africa neCongo, Kinshasa.

  • Vanhu vane zita iri: Mwepu Madiya; Andiswa Madiya; Madiya Mandungwana; Madiya Rotshidzwa.
  • Chidiya kana madiya (Short, vigorous, restless person) zvinotaura munhu akagwinya anogaroshanda asingadi kugara pasi.
  • Chindiya (Bantam. 2. Short, vigorous person) munhu mupfupi; akagwinya anokwanisa kunge ari mupopoti zvakare.

Mitauro yeBantu chinjirudza

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mimwe mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Pane tarisiro yekuti mitauro yeAfrika inotodzana mazwi.

  • VaBambara vanoti diya (vt. 1. make good tasting, sweeten; 2. make nice, make fun; 3. vi. be pleasing (to the senses); be nice; please somebody).
  • VaBambara vanoti diya (n. 1. sweeteness; 2. pleasure).
  • Lubwisi vanoti mwatiya (n. Woodcutter; lumberjack; forest cutter; stone mason).