Masanga kana masanganzira anorevawo zvakare panosangana nzizi kana nzira. Kana dziri nziri anonzi madirano kana mawiro. Sokuti rwizi Mazowe rwune madirano narwizi Zambezi munyika yeMozambique.

Masanga emugwagwa mudhorobha.
KuNorway, pamadirano a rwizi Glomma nerwizi Vorma.

Panopararana nzira ichiita nzira mbiri dzinoita Y panonzi pane mhaswa kana kuti pamhararano. Asi vamwe vatauri kune mamwe matunhu vanodana masanga kuti mhararano kana majika.

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

Tsumo chinjirudza

  • Mharadzano dzakabva munzira. Side paths branched off from the main path.
  • Mhararano dzakabva mugwanza. Side paths branched off from the main path.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • VaGanda vanoti masangaanzira (intersection, junction) kureva masanganzira.
  • VaWanga vanoti amasanganjira (crossroads; junction; meeting of several paths) vachireva masanganzira.
  • VaGwere vanoti mansanganzira (cross roads) kureva masanganzira. VaKagulu vanoti njila mhanda (cross roads) kureva masanganzira.
  • VaWabo vanoti pambano (intersection, junction, crossroads) kureva masanganzira.