Shoko rokuti matinji (stretched labia) rinodudza nyama dzakareba dzinoonekwa kana hwabvu hutete hweMbutu hwadhonzwa.

Chiitiko ichi chinodanwa nezita rokuti kutanya uye chinonyanya kuitwa nevasikana vachiri vadiki vachiine nyama nhete dzinobvuma kudhonzwa dzichireba. Vamwewo vanoti kutanya kwakafanirwa kuitwa panguva yokunge mudzimai ari pakubindura (ovulation kuEnglish) apo pamotarisirwa kuti nyama dzinenge dzakapfava muviri wemudzimai uchigadzirira kugamuchira mbeu yababa.


Tsika yekutanya inowanikwa kuchamhembe kweAfrica kunyanya muZimbabwe, Zambia neMozambique. Pakati peAfrica tsika iyi inowanikwa kuRwanda. Vanotaura vanoti kutanya kunobatsira kuchipa murume zvekutambisa zviri nyore zviri pachena panotanga nyaya dzepabonde uye kuti matinji anobatsira kusvitsa mukadzi panguva yokuchemerera.

Kuchekwa hwabvu hutete chinjirudza

Kune nyika dziri kuEurope neNorth America vakadzi veko vanoenda kunoona ana chiremba kuti vagadzirwe nhengo dzive nechimiro chavanoda ivo. Pane ava kune vamwe vanoenda vachikumbira kuchekwa hwabvu kuti huite hudiki. Tsika iyi inotaridza kuti inoitwa nokuda kwekuti vakadzi ava kana varume vavo vanenge avsingagutsikane nekuvakwa kwakaitwa nhengo dzavo. Vamwewo nokuti vanoita zvokushambira uye kuzambira mushana vakapfeka mbatya dzokushambira, vanoda kuti nhengo dzavo dziite diki dzirege kuonekera pambatya idzi.

Tsika iyi yekudhonzwa kwematinji inoitirwa kuti mukadzi kana achinge ave nemusuwo webeche wakakurisa anomapetera mukati kuti mboro yemurume isangopinda nyore izvo zvinoita kuti bonde rive rinonakidza vaviri apo mboro inenge ichiita zvekumanikidzira kupinda mubeche. Matinji akadhonzwa anotota nekukasika zvichienzaniswa neasina kudhonzwa, kana mboro yemurume iri diki matinji anopeterwa nechekuzasi kwebeche kuitira kuti mboro diki iwanikwe ichi gunzva nechekudonono remukadzi izvo zvinoita kuti mukadzi asa siiwa nenzara yebonde zvinowanzoitika kana mboro yemurume iri diki kana nhete zvichienzaniswa nebeche riri kusvirwa.