Mbeva
Mbeva kamhuka kadiki kanenge gonzo kanowanikwa Pasirose. Mbeva inosiyana negonzo pakuti inogara mumwena musango asi gonzo rinogara mumba. Kune mamwe matunhu mbeva inodyiwa nyama. Kune mhando dzembeva dzaka siyana dzinenge matedze, banya kana dapi, shana, madingo, mhana-mhana.
Mhando dzeMbeva chinjirudza
Tsika chinjirudza
Kune zvinamato netsika zvinodzivisa kudya mbeva. Izvi zvinosanganisira vanoera mutupo wembeva VaRemba or VaMwenyi, vanotevedza Tsamba Tsaru yeBhaibheri, Mapositori, vanamati vechiMuslim nevamwewo.
Mbudyo (Escape hole in mouse run) kureva mbudo inobuda nembeva kana yasvika njodzi.
Tsumo chinjirudza
Beche rembeva utsavi.
- Mbeva haicheri mwena usina mabudiro. Apa kureva - Munhu akangwara anogara aziva mabudiro ake patsekwende kana kuti anoziva kuti anozogona sei zvinhu zvaatanga.
- Mbeva zhinji hadzina marise. Too many mice have no lining for their nest.
- Mbeva zhinji hadzina mashe. Many mice have no lining for the nest.