Mukurumbira

(runangakatsva kubva kuMbirikira)

Mukurumbira kana kuti guhu (fame) zvinoreva kuzivikanwa nevanhu vazhinji nokuda kwechimwe chinhu chakanaka chawakaita kana chaunogona. Oliver Mtukudzi akaita mukurumbira nokuimba.

  • Mbiri (1. Renown, 2. Notoriety, 3. Glory, 4. Report) zvinotaurwa pamunhu kana chinhu chakakurumbira chinozivakanwa nevazhinji chingava chinzivikanwa mumabasa akanaka akana asina kururama.
  • Mbirikira kana kuvirikira (Publicity) apa kureva kuzivikanwa kwemunhu kana mabasa ake. Uroyi hwake hune mbirikira: the fact that she is a witch is known everywhere.
  • Mbirikiro, mukurumbira kana kuvirikira (Reputation. Fame. Renown). zvinotaura mukurumbira wemunhu nemabasa ake. Ane mbirikiro yokurima: he is a famous farmer.

Mamwe Mazwi chinjirudza

Tsumo chinjirudza

  • Mbiri matende inoputsika. Fame is like gourds, it breaks.

Mitauro eBantu chinjirudza

to place articles together into

  • VaYao vanoti limbili (fame; character; renown) vachireva mbiri. VaBukusu vanoti eefuma (n. glory, fame, prominence).
  • VaBemba vanoti lulumbi (n. fame) kureva mukurumbira. Mamwe mazwi: lumbuka (famous) kureva kuita nembiri.
  • VaKongo vanoti a mpila (of the kind of). Sokuti mbele a mbila yame - a knife of same kind as mine.
  • VaChewa vanoti mbirinjira (that of which the report is greater than the reality). VaChewa vanoti kutama kana kupambanitsa (to glorify).