Ngwarati
(runangakatsva kubva kuMharapara)
Ngwarati kana mharapara (sable in English) imuka yemusango iri mumhuri yenhoro. Mhuka iyi ine ruvara rwutema (black) nedumbu jena (white). Pachiso chayo ine mutandamhuno mutema nemitsetse mitema inobva kumaziso ichienda kumuromo. Muromo wepasi unenge uri muchena. Ngwarati ine nyanga dzakasvonaka dzakakombama dzichidzokera kumashure.
Tsika
chinjirudza- Zvaiwana ngwarati - kureva kuti uya anombozviti ndini ndinogona zvamuwanawo nhasi.
- Chikwata cheRugby cheZimbabwe chinodanwa kunzi "Sables" - iriyo ngwarati.
Mitauro yeBantu
chinjirudza- VaVenda vanoti phalaphala (n. sable antelope) vachireva mharapara.
- Setswana vanoti kukurugu, kwalat, kwalata (n. sable antelope) kureva ngwarati.
- Sesotho vanoti kgama kana phalafala (n. sable antelope) vachireva mharapara.
- VaLozi vanoti kwalata kana likwalata (n. roan or sable antelope) kureva ngwarati.