Mubvamaropa kana mukwa (Pterocarpus angolensis. Mukwa) rudzi rwemuti unobuda mvura tsvuku seropa. Muti uyu unowanikwa mumatondo ekuchamhembe kweAfrica munyika dzinoti: Angola, Eswatini, Mozambique, Namibia, South Africa, Tanzania, Congo, Kinshasa, Zimbabwe uye Zambia. Mamwe mazita unonzi: mubvamakovo, mubvinziropa, mukambira, mukonambiti, mukurambira, mukwirambira, kana mushambaropa.

Mbeu yeMubvamaropa kuSouth Matabeleland, Zimbabwe

Chimiro Chawo chinjirudza

Mubvamaropa muti unokurumuka unokura kureba 16m, uine mashizha anovaima. Munzvimbo dzine hunyoro maunoda, muti uyu unoreba 18-19m. Mashizha awo anobuda nguva imwe nemaruva kana nguva diki mushure memaruva. Mubvamaropa unoita maruva akawanda anonhuwira.

Mitauro yeBantu chinjirudza

Zvakakochekerwa chinjirudza