Chembere
(runangakatsva kubva kuMuchembere)
Chembere (kureva old woman; older aged woman) zvinoreva munhukadzi asharuka zvikurusei uyo asvika pamakore ekuguma ura - asisabereki vana. Vamwe vangati makore 60 kana kudarika ndiko kuchembera.
Tsumo
chinjirudza- Ziriwo rechembere ziramba waravira. An old woman's relish is refused (only) after tasting.
- Chembere mukadzi hazvienzane nekurara mugota.
- Mhanje isina mwana hainzi ichembere. A barren woman should not be considered as an old one.
- Chiro irombo kuroora mbuya ikazvara. It is sheer luck to marry an old woman who happens to bear a child.
Mazwi eChibantu
chinjirudza- VaYao vanoti mjembele (a woman who has borne children) kureva mukadzi akazvara vana.
- VaLenje vanoti kuchembela (Be old, worn out). VaFwe vanoti mucembere (old woman) kureva muchembere.
- Barotse vanoti bucembele (old age) kureva huchembere. Baila vanoti muchembele (aged person) kureva muchembere.
- VaVenda vanoti mukegulu (n. old woman) kureva chembere.