Mudungwe
Mudungwe (Queue; line - single file; train of people) rinoreva mutsetse wevanhu zvikurusei vakamirira chimwe chinhu chavanoda kugamuchira. Kunonzi mudungwe kana vanhu vakamira mumwe shure kwemumwe, vakatarisana makotsi. Vamwe vatauri vanouti chirundu.
Mudungwe wakasiyana nerundaza rwekuti vanhu vanomira vakaererana mapendekete pasina ari shure kwemumwe.
Mamwe Mazwi
chinjirudza- Mudyarara (line of moving people or animals).
- dyarara (ideo of forming a line).
- Mudandamanga kana mudarara (Line of objects - moving or still).
- dunguru dunguru (ideophone of walking in a single file). Kudungura kana kudungurudza (form into a file). Zvichida zita rokuti Kadungure rinotodzana nemazwi aya.
- Rutsara (n. Line of people on the March).
Vanhu vanogona kuita mudungwe wekutenga chingwa, kupinda mubhazi, kuvhota zvichingodaro. Mudungwe unoitika kana vanhu vachiuya kuzogamuchira vakawanda kudarika kugamuchidzwa kwacho kuri kuitika.
Mitauro yeAfrika
chinjirudza- MaZulu vanoti umlunge (Succession of persons, animals, or things following one another) kureva mudungwe.
- VaTonga vanoti tunga (form a line) vachireva kuita mudungwe. Lunda inoti tandama (stand in line).
- Nyungwe vanoti mfolo (n. line, queue) kureva mudungwe.
- Bushong inoti angama (v. be in line). Bushong inoti muanga (n. line) kureva mudungwe.