Musiyano kana mutsauko (difference) zvinotaura kusiyana kwakaita zvinhu zviri kucherechedzwa. Vamwe vatauri vanoti mhatsa zvichibva pashoko rokuti kupatsana.

  • Kupatsana kana kupatsanya (to differ, to separate).
  • Kupatsanisa (cause to separate, sort out).
  • Kupesana kana kupatsana (to differ, or be different) apa kureva kusiyana zvikurusei kusiyana mafungiro kana maitiro .

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

Hapana mhatsa pakuti mumwe ofamba nechitima mumwe nemotokari, nokuti vose vanotakurwa: apa kureva one goes by train another by car, there is no difference between them since both are carried.

Mitauro yeAfrika chinjirudza

  • VaLungu vanoti ukupasana (to differ) kureva kupatsana. Mamwe mazwi: ukupasanya (to distinguish; compare) kureva kupatsanisa.
  • VaTonga vanoti bumbi (differently) kureva nemutowo wakasiyana. Mamwe mazwi: kumbi (Another place; a different place) imwe nzvimbo. Mbudi (like, as) kureva nemutowo wakafanana.
  • Nsenga vanoti -mbi (different, of another kind). Mamwe mazwi: -iyakwe (another of the same kind).
  • Lenje vanoti wumbi (n. difference, another kind) kureva musiyano kana rumwe rudzi. Mamwe mazwi: kumbi, pambi, mumbi (at different time or place) kureva imwe nguva kana kumwe kunhu.
  • Lenje neBemba vanoti -mbi (a second; other; another; of another kind; different) kureva cherudzi rwepiri kana cherumwe rudzi.
  • Lenje inoti -mwi (one; some; another of same sort) kureva chimwecho. Hadiyya vanoti annanna (adj. different; except).