Shoko rokuti muzvina rinoshandiswa kureva muridzi kana mwene wechiro chiri kurehwa. Asi shoko iri rinotaurawo uyo anoshandisa chiro chiri kurehwa, anokwanisa kuva iye mwene wacho kana akabata chete anova ndiye anochishandisa. Sokuti muzvinapembe anokwanisa kune ari kuridza pembe isiri yake.

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

  • Tine mufungo mumwechete muzvinabhizinisi anokwanisa kunge ariye maneja mukuru anotungamira bhizinisi rine varidzi varo, asi iye ariye ane hudaviri pamusoro paro. Somuenzaniso makambani makuru anotora mukokeri mukuru anobva aita saiye muzvinabhizinisi nokuti mukokeri mukuru anotunamira bhizinisi zuvanezuva achizopa zvibereko kuvaridzi varo. Iye mukokeri mukuru anetenge ariwo mushandi wekambani. Muzvinabhizinisi anokwanisa zvakare kuva iye muridzi achirishanda zuvanezuva.

Chirevo chinjirudza

  • Akura arehwa. One who has grown up is spoken of.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • Lunyoro inoti okutunga (v. possess), kuva mwene. Lunyoro inoti omutungi kana omukama kureva mwene. Zigula inoti kuvina (v. to dance, to play).
  • VaNyoro vanoti itungo (n. property) kureva nhumbi kana pfuma.VaTonga vanoti fwua kana fwuba (v. possess) kureva kuva mwene.
  • Digo inoti mchina (n. owner) vachireva muzvina kana mwene. VaDigo vanoti mchina-nyumba (n. house owner) kureva mwene wemba.
  • Digo inoti mchina-dambi (n. one who has sin) kureva mutadzi. Anufe inoti jin (v. To do; to make; to cause; to manage; to create; to perform).