Ngozi (Avenging spirits) zvinoreva chiitiko chinotaurwa kumarudzi evatema chokunge munhu akauraiwa nenzira isina kururama omukira avo vakamuuraya kuti atsive rufu rwake. Kumukira vakauraya uku kunonzi kupfuka ngozi.

Chirevo chinjirudza

  • Kugona ngozi kuiripa.
  • Kune nhetembo inozivikanwa zvikuru inonzi Ngozi yerombe igandanzara.

Mitauro yeBantu chinjirudza

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mime mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Chinangwa ndechekutsvaga zvinoreva mazita, zvikurusei kana mazita aya asisiri kutaurwa mumutauro wemazuva ano.

  • MaZulu vanoti ingozi (1. severe wound; 2. throbbing pain from an old wound).
  • MaZulu vanoti ingozi (danger, risk, accident, misfortune).
  • VaTaita vanoti kukosa (transgress, to sin, to offend, to wrong) kureva kutadzira. VaTaita vanoti mkosi (offender) kureva mutadzi.
  • Vatauri veEkegusii vanoti kosera (to grind), kureva kugaya.
  • VaDigo vanoti koseka kana kukoseka (to be faulty, to be at fault). VaDigo vanoti koserwa kana kukosesa (to be wronged by another).